B.M MAFUKIDZE-Babie Bee Novels

B.M MAFUKIDZE-Babie Bee Novels Whytclf

Ch 1-3[05/04, 15:26] Mumue🥰: https://whatsapp.com/channel/0029VaY55XDJP20wYuuAml2zhttps://chat.whatsapp.com/Bdkz0MhDWI5G...
07/04/2026

Ch 1-3
[05/04, 15:26] Mumue🥰: https://whatsapp.com/channel/0029VaY55XDJP20wYuuAml2z

https://chat.whatsapp.com/Bdkz0MhDWI5G3awBLp7Dx6?mode=gi_t WhatsApp group

https://www.facebook.com/profile.php?id=100069895577377 lyk my fb page

*BEYOND THE BROKEN*

WRITTEN BY B M MAFUKIDZE (MHOFUKADZI)

+ 260775957508
+ 263772999520

Ch 1

INTRODUCTION

Regai vakuru vati rina manyanga hariputirwi, ndiyani aiziva kuti zvinhu zvaizoshanduka kudai. Vakanga vaona vakare pavakati china manenji hachifambise chinomirira kuti mavara acho aonekwe, zvino angu meso aive asati agadzirira kuona shura raive pamberi pangu izvi. Moyo wangu wakabaiwa nepfumo rakapinza chairo zvekuti kana simba rekumira ndakarishaya ndakangoerekana ndawira pasi. Ndakatarisa zvaive pamberi pangu ndichida kunzwisisa zvaiitika but I couldn't believe my eyes. Ndinenge ndairota chete ini, ndakabva ndangonzwa dzungu ndini pasi bhidhiri.

Ndakazomuka ndiri mubedroom mangu ndiri ndega. Ndakanzwa kusemeswa nekudzikisirwa at the same time kuti ndaive ndaradzikwa pabed yaive yabva kuitirwa marabishi nevanhu ava. Vaya vanoti kuziva murume wako kuti akuhura kunorwadza munonyepa imi. Anohura nemukadzi arinani toti pamwe iwe ndiwe une problem uye anomboita achidzikama kwete kuroorwa negay. Of all the the people a gay? KO mwari vakandisekereiko kudai. Dai ndakaroorwa nembavha kana mhondi inoziikanwa zvaive nani kani pane kuroorwa nemhondi inourayira mukati iyi, A gay.

Ndakavhara maziso angu as i recalled what had happened. Seeing the vision of my husband making love to another man broke my heart into pieces. Ko zvataitove nemwana wani nemurume wangu, ko zvakazomubata rinhiko nhai. Why did this have to happen now after seven years of struggling. I still remember the very first day I met Kayden my husband.

He was just a poor boy with nothing and his father was our gateman. Actually my marriage to him was an arranged one. My father was filth rich but he was social. Vaisava ne that pride inoitwa nevanhu vanonzi vanemari, vamwe ndivo vasingataure nevashandi vavo vanovabata zvakashata uye vanozviisa pamusoro soro. My father was not like that vaingobata munhu wese zvakanaka izvo zvakaita kuti vanyanyowirirana nababa vaKayden to the extend of arranging a marriage for us children only to preserve their friendship.

I agreed to it because I was Kayden's secret admirer. He was so handsome and was a real gentleman. He carried himself with dignity and that made me
fall for him and agreed to get married to him. I don't know why he agreed but we made a great couple. We got married and everything was good and both our parents were happy though my father was the one who payed for everything and even after we got married he bought a house for us and gave my husband a job to manage one of his companies.


We lived happily and I respected my husband so much despite the fact that he had nothing whilst I was from a rich family. I didn't care about all that since he was now working hard. We had our first born, Jayden he was just as handsome like his father. My husband was so happy as well as my father in law to the extend yekundipa mombe nhatu chipo chekutoti half yedanga ravo rese nekuti vaingova six chete.

Vamwene vangu vaive vakashaya murume wangu achiri mudiki chaizvo ndaingovazivira mumipikicha. My husband bought a new bed for me achiti aisada kuti tirambe tichirara pabed yaive yakatengwa nababa vangu, it wasn't that expensive but I was very happy nekuti aitaridzawo kuti aifunga murume wangu. He didn't just bought a bed but as time went by he bought new property and I was more than happy.

Kushanda murume wangu aisada aingonditi rangu basa kuswera pamba taking care of our child ndichimupa rudo rwese rwaanofanirwa kunge achipihwa. He grew up without a mother and he said he never wanted that for his child because life without mothers love is just like a car without any engine. I agreed because all that he said made sense and since he provided everything for us ndakangokanda degree rangu kwakadaro uku nekuti raive risisina basa ndaive ndakufanirwa kushandira rehu permanent house wife.

I can't say I was a perfect wife no, I can't comment on that but what I do know is I did everything I could to be called a good wife and I played my role as a mother to my son and as a wife to my husband very well. What I didn't know was my mistake, what could I have done wrong for him to punish me in this way.

Handinyatsozive kuti chakaitika chiii kuti murume wangu ashanduke kusvika pakudai. I have always noticed the way he looked at other man and how often he complimented them but I never thought he could be a gay. Kayden munhu akanyararisa zvekut ukada kuisa mhosva paari or kumufungira anything zvairamba. We never fought mumba medu, yes arguments were there at times but not zvekutoenda kure nekuti ndaikasika ndakumbira ruregerero kuti zvipere, iyewo wacho semunhu aisada zvekutaura zvaibva zvangopera but mazuva aya aive akuchinja.

Mari yaive yakutaridza kuti yakutambirawo paari and handizive kuti ndiyo here yakaita kuti azoshanduka kudai after all these years tiri tese. Kayden aive ondiona setsvina pamba kwete semukadzi. Vaya vakati murombo paanobata mari haatangike ndaiti kunyepaka ini. Itwo twumari twaaive aita utwu nditwo twaive twomupa zenze zvekubva atadza kuziva kwaakabva.

Ndakapinda mutown mumwe musi ndichida kunosangana naye so handina kutakura mota yangu since I wasn't in the mood yekudriver plus ndaisazoda kuti tidzoke takatungamidzana. Ndakatanga ndaenda kuSaloon kweshamwari yangu yaiita zvekuruka mutown makare. Taive takasangana tichiri kuPrimary school chaiko tichiita zvemaSpots. Chakazoita kuti tinyanyowirirana yaiva nyaya yekuti taifarira uye taitamba same ball game which is handball. Usually ndini ndaiwanzotsika center iye aitsika left wing. We communicated very well in the game zvekuti ma teachers aive akusatotisiyanisa coz taigara takahwina and vanhu vaive vakutideedza kuchikoro vachiti S squared since mazita edu tese aitanga naS her being called Sharon, I being called Shanel. This is how our friendship started.

Ndakaenda kubasa kwake ndichibva ndasvika ariko kwakutombosiya mamwe maclients aaive nawo akumhanyira kuruka inini, ko nyaya taibhuya tikanetaka. Kana kuri kunyeya handichatautare. Munhu wese wataiziva tese taimaker sure kuti tamuvhundunyura kunyangwe nezvinhu zvakaitika gore rakapera kwatiri inenge iri nyaya itsva. Akandiruka akapedza tichingotaura nyaya tichiseka zvekuti vaive vakamirira kurukwa naye musi uyu vakasvotwa vakazvirega vamwe ndivo vakatobva vakaenda. Izvi zvaisavhundutsa nekuti taive tazvojaira kuti patosangana vazhinji vanoridza mitsinyu vakazvirega.

Akandiruka akapedza tichingotaura apa ngazvindifite sei. Pese paandiruka aisada kundibhadharisa but ndini ndaitozoita nharo kuti atore coz maclients mazhinji musi uyu anenge amutiza. Takazoenekana hedu ndafonerwa newangu murume achiti ndichiuya tiende apa aive kuSamora pakade ini ndiri kuHorizon inn kumaAvenues uko. Paiva nemufambo, ndakamufonera kuti auye kuzonditora as always but musi uyu ndakapindurwa imwe rough yandakanga ndisati ndakambonzwa kubva zvandakatanga kugara naye.

End of chapter

Babie Bee loves you all🥰
[06/04, 20:20] null: https://whatsapp.com/channel/0029VaY55XDJP20wYuuAml2z

https://chat.whatsapp.com/Bdkz0MhDWI5G3awBLp7Dx6?mode=gi_t WhatsApp group

https://www.facebook.com/profile.php?id=100069895577377 lyk my fb page

*BEYOND THE BROKEN*

WRITTEN BY B M MAFUKIDZE (MHOFUKADZI)

+ 260775957508
+ 263772999520

Ch 2

Shanel

Ndaitiwozve ndikutaura nemumwe wangu asi handina kunge ndaziva kuti ndine dzandaikoromora. Rough yacho yandakapindurwa yakandipedza mafuta.

" Babe huyaka unditorewo kubasa kwaSharon ndakaneta ini ba Jay, " ndakatotaura ndichinozerera kunge kuyemerera semunhu aitaurawo naDad kaa nhai asi munduro yacho yakandityora mabhonzo."

"Shanel usade kundiitira mafuniz wanzwa. Kasika kufamba uko I'm behind time ndine zvakakosha zvandikuda kuita"

Yakabva yatokatwa foni yacho ndisina kutarisira. Ndakasara ndakangovhura muromo kuri kukanuka zvekuti dai kwaive kupindwa nenhunzi dzaipinda dzikaita mazai dzikabuda. Ndakatozonzi nemumwe conductor aidedzera zvimota zvemushika shika izvi,

" ko nhai mukagozovhura muromo kunge munhu akuda kudyiswa nhingi kudaro hanzii? ".

Ndakangomutarisa neziso rekuti siyana neni ndiko kuvhara kwandakaita muromo ndakufamba kubvapo kuenda kwaive nemurume wangu. Road yese ndaingofamba ndichizvitongesa kuti chii chaive chaita kuti murume wangu atsamwe kudaro. Ndakafamba nekuchimbidza avoiding kuwedzera kutsamwisa munhu wangu zvekut ndaive ndarukwa zvakanaka zviya zvakatombobuda musoro mazara zvimwe. Ndakasvika paive nemota yake kwakugadzirisa musoro uya kut uchionekera kwakuisa zismile pamuromo ndikavhunduka munhu oridza bhera remota achideedzera kuti,

" iwe usanditambisire nguva mhani huya tiende uko chazonyanyoshamisira pakasoro kako kanenge kejerenyenje ikako chiiiko tipindire mumota uko".

Ndakangoerekana ndati "Hezvo " ndisingafungire. Mashoko ake akandikatyamadza nekundirwadza pamwe chete. Mukukura kwangu ndiri munhuwo aitomboenda kumusha pamaholidays zvekuti zvizhinji zvekumusha ndaizviziva plus mhukaaa yacho yaaifananidza musoro wangu nayo ndaive ndakaidya patakaenda kumusha kwake iye yabatwa navatezvara vangu. Chokwadi munhu kufananidza musoro wangu newe jerenyenje mhuka yakada kufanana nebveni pamutumbi asi musoro wakaita sewe kaya kamunoti kasongo ndivo wonzi musoro wangu manje.

Ndakangofutisa matama kwakufamba kuenda kumothers sit wanike kwakagarwa nekano kamukoma kaive kakanama mafuta pamuromo ungati mukadzi apa kakarukwa panhova pese apa kumaside kwakagerwa. Ndakangoramba ndakamira ndichiti pamwe kachaburuka izvo kwani kakatonditarisa kwakundipima kachitarisa kuside. Zvakatondinetsa nekuti ndaiziva mafeatures aya achiwanikwa kuvanhukadzi chete ini. Kayden akabva anditarisa kwakuti,

"Shanel kana wakuda zvekuenda kumba I'm sure road unoiziva. Goodbye".

Ndakambofunga kuti pamwe kutamba but akatoimutsa wani mota ndakatarisa akarova pasi. Ndakangosara ndakati tuzu paya kutopererwa nechiitiko ichi. This wasn't the Kayden I knew, not to talk of my marrying him. Ndakanzwa misodzi kuyerera kwakupukuta ndichifamba kudzokera kubasa kwaSharo ndaida andiperekedze kumba since aiva nemota nekuti zvepublic transport nezvandaive ndaisada.

Ndakatosvika kubasa kwake akuda kutobuda hake sezvo time dzake dzaive dzakwana. Achingondiona nekufutisa kumeso akabva atanga kuseka hake nekuti aiziva kuti ndowanzoita face yakadaro kana zvaita sei. Ndakangofuratira kwakupinda mumota muya kudrivers sit apa makeys akati agara aivepo paeginition. Ndakavhara achibva aona kuti ndaisava pakutamba achibva amhanya kuvhura door kupinda kuside achishamisika. Ndakarova mota ndakananga kumba kwangu achibva ati,

" aikaka nhai mai musaladi hamungotoreka mota dzevanhu nekutoenda kwamunoda".

Aitotaura achiseka hake asingazive kuti ndaive ndakatodumbirwa. Apa kutonditi mai musalad kwaaindiita ikoko ainyatsoziva kuti ndaisazvida. Hameno aiti murume wako musalad anozvida anofamba achiita kunge pasi pakubaya, achibvira murume wangu hake ndipo pakatobva zita racho. Ndakangomu ignore hangu kwakurova mota ndakananga KuChisipiti kwandaigara.

Ndakasvika nekutosiya mota yake panze nekutopinda mugate ndichibva ndamira pagate paya kwakucheuka ndichibva ndamuti thanks akangodzungudza musoro achiseka and I knew kuti aisekei. Aigara akanditi gore randichachemedzwa nemurume ahura ndiro gore randichadzidza but ndairamba ndichiti wangu haadaro and haatombonditsamwise zvino musi uyu aive andibata.

Ndakasvika nekuvhura door kwakuona musina munhu ndichibva ndatanga kufamba ndichitarisa marooms ese kwakuona iri imba yoga isina chinhu. Ndakashaya kuti aive aendepizve chaizvo. Ndakatoona kuti ndikada kuramba ndichishushikana nekufunga kuti murume mukuru anedzakakwana kuti arikup ndingatozvimba bhibho. Ndakatora makeys angu kwakupinda muroad kunotora mwana wangu kuchikoro but I don't wanna lie pfungwa dzangu dzaingopishana pishana kufunga zvandaive ndaitwa naKayden.

Kuti aive nezvaimunetsa kubasa here, but no mhani. Pese paaiita stress ndikamubvunza aindiudza zvaimunetsa or if asingade aisambondipopotera aingonyarara hake until things cool down zvino apa ndaive ndoshaya kuti chii. Ndakambobata foni yangu kuda kufonera mama vangu ndivaudze shura randaisangana naro iri but l decided against it. Taifanirwa kutaurirana nekugadzirisana nemunhu wangu pachedu nekuti kuudza amai vangu l knew vaizoudza dad then dad would confront him izvo zvaizoita kunge ndivo vanotonga mumba mangu.

I had to give my husband the respect that he deserves. Kana ndiine zvandaive ndaita zvaive zvamubhowa l was going to ask for forgiveness toregererana nekuti honestly kalife style kataive takurarama aka mazuva aya kaisandiitira kutaura chokwadi. It's almost two months now munhu achiita kahunhu kasinganzwisisike ikaka. Sometimes he's sad sometimes he's happy. Sometimes he's good and sometimes he's wild l don't know what's over him. I'm over thinking every time kuti what might have triggered that uncertain behavior of his but to no avail.

I drove to Jay's school pfungwa dzangu dzisipo dzichingoshushikana. Ndakatorana nemwana wangu kwakudzokera kumba uko kwatakasvika kusina kana munhu ndikangosiyana nazvo. Ndakagadzirira mwana wangu chekudya after abva kuchinja then achibva azotora book rake rehome work musi uyu ndakatomuti aite ega nekuti ini ndaitonzwa pfungwa dzangu kuti dzaive dzakaremerwa.

Akazouya zvake mwana wavaTezvara vangu manheru chaiwo ndanzwa nekumirira kana kubika chaiko ndaive ndisina. Ko simba racho ndaive naro here. Akapinda kuma 11 chaiko husiku zvaasati akamboita ndikapererwa ndichiona munhu achipinda akaita kuparara nedoro. This was so unlike him, Kayden kubvira nakubvira aisanwa doro so izvi zvakatondishamisa kuti zvabvepi. Pacho pandakada kumubvunza achipinda mubedroom munhu akasvikomira pamberi pangu achibva andirutsira zvake kumeso ndikanzwa muviri wangu wese kuzuzuma ndikazenge ndomubatsira kurutsa paya.

Ndakanzwa dzimwe hasha dzisingaite but zvekuita ndopaive pasina ndichibva ndamhanya mubath kunopinda mushower nekuti zvandainzwa zvacho ndaiita sendichafa. Akabva atanga hake kudeedzera mwana wevanhu,

" ndine pfimbi yangu yemashoko isingabiwe kana nani zvake", I thought aitaura but it turned out kuti aiimba zvake ndikashaya kuti type yesong dzakadaro aive adzinzwepi but then kuzofunga kudhakwa kwaaive akaita obvious ndiko kwaaive azvinzwira. Ndakamira mushower muya misodzi ichingoyerera ndichibvunza mwari kuti chii chaive choitika ichi mumba mangu.

End of chapter

Babie Bee loves you all🥰 ❤️💋
[07/04, 10:32] null: Ch 3

https://whatsapp.com/channel/0029VaY55XDJP20wYuuAml2z
Follow my whatsapp channel for more and previous chapters

https://chat.whatsapp.com/Bs0yWXKEXaqF2EpU3SD5uO
WhatsApp grp

https://www.facebook.com/profile.php?id=100069895577377 lyk my fb page

https://t.me/+hLM-PWb5U245YjI0 telegram group

*BEYOND THE BROKEN*

Written by B.M Mafukidze (Mhofukadzi)
+260775957508
+263772999520

Ch 3

Shanel

Ndakatora nguva ndirimo mushower crying, sort of like question God kuti why was he letting zvinhu zvakadai happen to me, in my marriage. Kana paiva neaifuridzira im sure aishandisa fan chaiyo iri palast number rekufuridza nekuti muromo hawaimboita punch zvekudai. Ndaiita kumunzwa achiita kudeedzera kuimba kwacho zvekuti ndaive ndongonamata kuti mwana wangu asamuke. I didn't want my son to see his father in that state nekuti l knew zvaizomukanganisa and its like ipapowo mwari vakandinzwa nekuti ndakazongonzwa munhu anyarara pandakabuda kudzokera kubedroom ndakasvika shasha yakutoridza ngonono ndikapererwa.

Nechekumakumbo kwaive nemarutsi ndakangodhonza chiduvet chacho kwakunoisa mutub ndichibva ndavhurira mvura kuti zvimwe ndaida kuzochiwacha the following day. Ndakadzokera kwakutora rimwe blanket ndichibva ndamufukidza ini kuti ndirare dzakaramba kuuya zvadzo hope and l ended up praying ndichikumbira mwari ruregerero for whatever l had done, zvese zvandaive ndakatadza zvasakisa kuti murume wangu ashanduke kudai. Ndakanamatira shanduko, ndakanamatira ruoko rwake mwari rwuoneke kubwinya pamusoro pemarriage yangu sezvaimboita pakutanga. I prayed for joy amd happiness to be restored in my marriage again.

Ndakamuudza mwari zvaive pamoyo pangu ndikanzwa kurerukirwa ndiko kuzorara kwandakaita only to wake up ndiri mumaoko aKayden akaita kundimbundira kuita kunge ndaida kutiza. Handina kumboita movement l just smiled ndiri pachest kudaro thanking God for hearing my prayers the previous night. Ndaitizve munhu akarara ndikazoshamisika ndonzwa,

" Good morning beautiful ".

Ndakasimudza musoro wangu kumutarisa and he was smiling at me and l just stared at him wondering kuti is he the same man wanezuro. For some unknown reasons l ndakazongonzwa misodzi yoyerera nematama angu. Akabva aita kakundidzosera kumashure mbichana kwakubva apukuta misodzi uya neruoko rwake and said,

" im sorry babe, l didn't mean to its just that l was stressed".

He said ndikaramba ndakamutarisa misodzi ndiyo yaingodura shungu dzaive pamoyo pangu and he just hugged me tightly ndikanyatsochema kusvika shungu dzapera. Ndakatarisa time kwakuona kuti mwana aida kugadzirirwa ndikamuka ndisina chandaive ndataura kwakugadzirira vese baba nemwana vakapedza and Kayden tried kutaura neni and l just told him taizotaura adzoka kubasa ndambofurwa nemhepo and haana kupikisa. Akabuda nemwana ndiye achinomusiya kuchikoro kwake ndikasara ndoita basa rangu rese ndapedza ndikaenda kubedroom kwangu ndikapfugama kunamata ndichitenda mwari.

I wasn't much of a prayer person but zvaiita kubata apo neapo or lemme say l was that type of a person aiziva kuti kunonamatwa and there's power in prayer but ndaizviitira nungo. Ndaizonamata kana ndaomerwa or ndichinzwa kudzamirwa like yesterday ndipo pandaitaura namwari. I so much wanted to pray asi zvaindikurira, mweya waida asi nyama yacho yaizvinetera. Pandakapedza kunamata ndipo pandakachizotanga kugadzira chikafu changu ndaingoda kuti ndichipedza ndoenda pafoni yangu nekuti yaive garoziva kuti kungobata foni ndisati ndaita basa chete zuva raigona kutosvika pakunyura ndisina kana kubata mutsvairo kutsvaira mumba or kusuka zvako nekuti machats acho kuwhatsapp anenge akawandisa apa zvozoti vanhu mumagroups vanenge vachinetsera book haaa unochiona.

Yeah l am a writer, ndiro basa randakaona rinokodzerana nekugara pamba sezvinodiwa nemurume wangu. Munhu wemukadzi hazvidi kuti ungogara woshaya chaunoita. Unogona kunge uine murume akaita sewangu asingadi munhu anoshanda and zvikwanisiro uchizviwana with nothing to complain but tsvaga zvekuita uripamba ipapo zvinokupa kadhora. Ndinoswera ndiri pafoni ndichiwana zvinondivaraidza as writing novels is my passion at the same making something for myself. I may not be the best writer but l do find happiness in my work and that's my greatest achievement.

Pandakapedza kubika my phone rang and like any other days aive wangu we pamoyo calling to check up on me. Izvi aive ava netwo weeks asisazviite and l guess ndiyo stress yaaive ataura nezvayo. The reason why ndakaramba kutaura naye makuseni was because ndaida titaure tiripamwe not munhu kuti akumbire ruregerero because he was feeling guilty. Ndaida tiite open up to each other iniwo wacho ndaisa maemotions parutivi ndiko kuti tizonzwanana. The reason why most of the time kutaurirana kuchiramba kushanda pakati pena married couples is because they chose to speak vaine uturu mukati. Kuti munhu atange aseredza hasha anonzwa seanonokerwa uye wacho anenge achifanirwa kuita sorry you find out kuti anoita sorry for the sake of saying it but not meaning any of his words. Mukati anenge atoriwo bitter why, because he wasn't given the chance to express what he is feeling inside. Anenge angoita suppress the pain but hazvishande nekut munozoona the next minute pamonetsana that anger burst out in a way yausingafungire which l think was the same thing happening to my husband. Ndakadaira his call ndakadzikamira,

" Shumba yangu", l answered.

" maduve wangu, urisei nhai gerofurendi yangu", l giggled at the thought of kwakabva kasystem ikaka kekunzi gerofurendi.

"ndiribho ini urisei nhai chikomba?".

" shaar handisi bho ini ndasiya ndanetsana nemukadzi wangu kumba shaa pakaipa"

" aaaa ko what happened, wavaitei maiguru vangu iwe?".

" pakaipa it's a long story all l can say is I'm to blame for everything. Ndaive nestress shaaa of which zvacho zvandakazoita manje ndizvo zvisingaite".

" hausi kutaura nyaya yako bhangu, wakaitei plus waive stressed nenyaya yei. You know you can tell me anything right?".

" yeah l know but l think l will have to talk to my wife first but l don't know how to break the news to her but the truth is I'm dying inside ".

" ukadaro wakurwadzisa moyo wangu, it's OK if you feel like you can't share with me unogona kunotaura naye mukadzi wako I'm sure she will understand you ".

" yeah, enough of me arisei murume wako"

"haaa iwe zvema marriages zvonetsa izvi. Hameno zvaari kungoitawo uyu handisi kumunzwisisa, at times I think he is cheating but then there's nothing to be suspicious of except kutamba nekuwirirana nevanhurume which l think is too much, kinda weird again. Can you imagine nezuro akandinyadzisa pamberi pakamwe kamukomana kandisina kunzwisisa muitiro wako. Kundisiya mutown Kayden asiya andidira mwando zvake", akamboita nguva akanyarara then later sighed and then said,

" I'm sorry babe on behalf of your husband, l just feel like that guy is going through a lot".

" then why can't he share with me I'm his wife for cry out loud", l shouted.

" I understand your pain but give him time and he will open up to you. Don't pressure him too much", he said calmly ndikatanga kuchema.

" But zviri kurwadza hako"

"I know for the mean time imbomusiya don't ask him anything iwewe even akadzoka ita like nothing happened I'm sure he will come around".

" will that work?".

" I'm 100% sure it will work".

"Ok if you say so l will try".

" don't try but just do as l say".

"OK kwacho", l said ndichiseka wiping my tears.

" that's my girl, saka ndiwo mukana wanguwoka uyu since musiri in good books nahubby ndouyaka izvezvi ndimbopiwa poto yababa Jay".

"haa tsek iwe ndizvo zvega zvaunongofunga", l said ndichinyaririra nekuti ndaitozvidawo nguva yaive yareba.

"shaaa ndakatoomerwa hanty ndakuudza kuti kumba kwanguwo ma1 chaiwo, ndikutokwata kumutanga nyaya dzacho".

" horaiti kwacho, kasika nekuti murume wangu anogona kungokasika kusvika anytime".

"iribho fanogeza babe ndikuda kuita rekudya chaiko".

Ndakangoseka ndichikata foni. That's how we used to talk our issues nemurume wangu zvekuti munhu aitondinzwa aitofunga kuti ndiri kuhura zvechokwadi but no ndinenge ndichitaura nesame murume iyeye but we both discovered kuti kuchihure munhu ndiko kunofeeler vanhu vese free and loved and anokwanisa kutaura zvese zvinomunetsa unlike kumba. So kana pakadaro tinombokurira bhachi remumba toshandisa rechihure. Even tikanetsana togona kusataudzana but tichirovana zvinhu tichifara then pakadaro kashoma kuzoramba takatsamwidzana. I know it's fun but ndizvo zvatiri and l loved that.

End of chapter

Mhofukadzi loves you all🥰 ❤️💋

Follow B. M Mhofukadzi novels's WhatsApp Channel. Novels written by B.M Mafukidze (Mhofukadzi ). Join 2.7K followers for the latest updates.

Ch 16-18[02/04, 19:54] Mumue🥰: Kana Uchida from 1 just click the link below https://whatsapp.com/channel/0029VaY55XDJP20...
03/04/2026

Ch 16-18
[02/04, 19:54] Mumue🥰: Kana Uchida from 1 just click the link below
https://whatsapp.com/channel/0029VaY55XDJP20wYuuAml2z

https://chat.whatsapp.com/Bdkz0MhDWI5G3awBLp7Dx6?mode=gi_t WhatsApp grp

https://www.facebook.com/profile.php?id=100069895577377 lyk my fb page

*FORBIDDEN PROXIMITY*
(breaking of social rules)

COLLABORATION by
B M MAFUKIDZE (MHOFUKADZI)
+260775957508
+263772999520

AND

NITA chihelele
+263780368492

Chapter 16

Farai.

Akanditevera ndokuti, " Farai I'm sorry kani," Mitchell ndaive ndakamuona kare kuti itype inoda munhu kana aine mari and her mentality yekuti I was responsible for kutadza kubata mwana kwedu yaindirwadza. Aisatoziva kuti neniwo mwana wacho ndaitomudawo.
Ndaive ndangozotaura with a friend of mine Webster aive kuAustralia akanditi, " ndiri broke sha ndirikuedza kuvaka wena but ukakwanisa kubatanidza yeticket, visa nezvimwe ayewa unouya pekusvikira nebasa ritoripo pabasa pedu."
Ndipo pandakatanga kukwereta mari yekuti ndiende. It wasn't about kunotsvaka mari yekuita zvema surrogacy zvaidiwa naMitchy anymore but upgrading life yangu. Mwana kana ndaizomuwana it was going to be by God's will kana ndaisazokwanisa kumuwana ndizvozvo l wasn't going to do anything about it.
"Its fine zvatopera," i said ndavakuda kuti ingopera nyaya yacho. I wasn't up for nyaya stereki I had a lot going on in my head. Mari dzaida kubatanidzwa dzaive dzakawandisa. She started being all over me ndikatoshaya kuti akafarisirei kudaro. Ndakatopihwa makumbo husiku hwacho ini nestress dzandaive nadzo zvaisavemo mumusoro mangu zvekunyengerera bonde sezvo munhu wacho aive amboratidza kuti haadi.
Things went back to normal. Normal yacho yaisajairika zvayo yaive yekuti taitaudzana hedu but she never stopped nagging hake.
Ndakazonzi rimwe zuva, " asi kune kwawakafamba ukanzi ndini ndirikuita kuti zvinhu zvako zvisafambe?" I frowned ndisingatozive kwainanga nyaya yake akati, " ehe zve wavakuronga something big like going overseas without telling me munhu waunoti mukadzi wako?"
Reason why I didn't think of telling her yaive yekuti ndaitozeza kuti zvikasabudirira ndaizenge ndavakutukwa ndichinzi,"hauna chaunoronga chinombobudirira Farai iwe. " saka ndakabva ndangodzidza kuita zvinhu zvangu ndega.
Sometimes I would understand why Mwari aitinyima mbereko. Mumba medu chinhu chainzi peace maive musitorina kana. Reason yaive yekuti ndaive ndisingawane mari inogutsa mukadzi wangu. She always compared me with other people. Ndaitombonzi," unotadzawo kukumbira manotes kuna bamunini baba Lee here kuti ivo vanoiwana sei mari? Tingakundwe kurarama nevana vadiki kwatiri here?"
Zvakazomuita kuti asanyatsowirirana namai Lee nekuda kwegodo rake.
"Ndaizokuudza kana zvabudirira," i said wondering kuti aive azvinzwepi nekuti I tried being secretive panyaya dzangu dzekuenda. Ndaitongoda kuzomuudza ticket racho ndaribata muruoko. Mapepa angu zvakawanda ndaizviitira kumba kwevabereki vangu.
"But I'm your wife why kundivanzira zvinhu?" She demanded ndikabva ndatomuudza chokwadi ndichiti, " zvinobatsirei kuudza mukadzi wacho anozondituka kana zvisina kuzobudirira ndavakunzi handina chandakamboronga chinobudirira?"
"Iih Farai ende unobata mashoko shuwa. Zvimwe zvinhu tinenge tataudzana mukubhowana." Akadaro ndichibva ndati, " well better wavakuziva."

"Aah kuziva kwekuzoita zvekuudzwa namai Lee?" Ndakabva ndatoziva kuti ndiko kwaaive awana information yacho.

"Zvakangofanana nekuti zvacho zvawakanzwa ikoko ndizvozvo hapana zvimwe. " Akatura mafemo ndokuti, " saka urikunosvikira kunani? Basa wakatoriwana?"
"Ndirikunosvikira kuna Webby. Basa kutonotsvaka." I lied akati, " manje kana riri rekutonotanga kutsvaka ndosara ndichibatana neyi? Ndosara ndichibhadhara neyi rent?" Ndaida kumusiya kumba kwedu but ndakatoona kuti aizoita problem nemudzimai wadaddy mai Chiedza. Munhu wacho aisagarika naye. I didn't want anything that was going to disturb baba vangu nemunhu wavo.
"Unogona kumboenda kumba kwenyu kusvika ndawana basa racho."

"Ayewa kana unondiitira plan. Going back kumba kwedu feels like ndarambwa." She said and i wasn't surprised hangu munhu wacho kunzwisisa kwaimunetsa chaiko. Chero paanenge achitoona kuti zvinhu zvakaoma. Anyways hazvina hazvo kundinetsa since ndaiziva kuti basa raiveko nechekare.
"Tichaona ," ndakadaro akati, " iih handidi ini zvekunogara kwaanamama uko. Ndinoda mumba mangu mandinenge ndichiita budget dzangu zvakanaka. Ndinoda kuzoita license ukatanga kushanda nditengewo mota. Munhu anemurume anoshanda kuAustralia anofanirwa kuonekwa nekufamba nemota. " she said I didn’t comment nekuti ndaitovewo neangu maplans.

She went on to say, " ndochitsvaka surrogacy paunouya kuzovhakacha toita madhiri acho ndosara ndichigara naye pano. Ndozokufonera uuye kuzoona mwana wedu tobva tatongomutoresa passport ndozotevera ikoko nemwana wedu. Tobva ta relocater tonogara kuAustralia. Daddy vaJunior vozondiendesa kuTurkey ndonoiswa maboobs akati kurei ndoisirwa magaro. Pandinozodzoka vanhu vemuno muZimbabwe vanenge vasisandizive. Daddy vaJuju imagine munakiro wandinenge ndaita apa ndisina kana kumbotakura mwana mudumbu mangu nekuyamwisa. Ndinenge ndichiita kunge mhandara zvayo. I can't wait kani!" She finished saying avakuita kuscreamer nemufaro.
Ndakangozunza musoro ndokuti ," ndichambosvika kuHighfields. "

"Mazuvano wakugara kuHighfields pano takukuona zvekutamburira chaiko. "

"Ko iwe unorambidzwa here kukuenda?" Akafinyama ndokuti, " mai vaye handingovafarire ini. "
"Why?'
"Mama maNcube vaingondiitira so," ndakatoona kuti kutaura naye zvakawanda taigona kutozoguma tagumburana.

Ndakangobuda kuenda pane mapapers andaida hangu kuno signer ndiriko. Plus vapfanha vaive ko vaingondinakidza. Despite kuonekwa naChiedza ndakashama ndaingoda kukuenda. I was fighting kamwe ka feeling kandainzwa kana ndakatarisa Chiedza yet i couldn't stop going there.
Ndaive ndazozviudza kuti I was supposed to fight kamweya ikako nekuti Chiedza was like my little sister. Besides yaitove pwere zvayo which was weird nekuti normally ndaisambocheuka pwere.

I was glad kuti Mitchy haana kuda kuita tag along. I was relieved kuwana Chiedza wacho asipo. Taive tagumana ndichida kunomutengera ice cream nekuda kwekupasa kwake. Kwavakuzondipa excuse yekuti aive avakutemwa nemusoro. I knew dzaive nyadzi dzekundiona ndakashama.
Munhu akatotandara neni ndiCharles achingobvunza mibvunzo yake isingaperi yehwanana chaiyo. Mudhara vaive varipo musi iwoyo but mama mai Chiedza vaive vasiri ivo vandaiziva. Vaiita kunge vaive nezvaivanetsa. Normally she was someone aifara stereki but zvemusi iwoyo she was faking kufara. Nyaya yaivaita vashaye mufaro mudhara aive andiudza kuti ndeya ex wavo. I tried wo kuvaonesa mudhara kuti vasiyane naye ex iyeye. Saka apa kuti vaive vabata zvimwe zvipi or zvaivewo zvimwe handina kuziva. Daddy wo havana zvavakandiudzawo musi iwoyo. I just hoped kuti vakagadzirisa nyaya dzavo.

Ndakaita zvandaive ndafambira in my old bedroom. Kwavakuzowoneka hangu kuma 3 kumazuva rodoka.
Ndakangonzwa moyo wangu uchiti ndipinde nemutown. Ndaive nefile randaida kutora kupharmacy kwedu. Ndaive off iri Saturday. Ndakati ndavakutora corner rekunobudikira muna Josiah Tongogara kwavakuona munhu wandakafananidza naMitchell. I slowed down my car luck paisava netrafic or any car yaitevera kumashure kwangu. Zvekuti ndakanyotsoona ari iye naMancube vamire nyaya dzichitsva vachitorovana maoko. Vaiwirirana vanhu vacho kubva zvatakaroorana sezvo Mancube aive achiri akaroorwa nababa vangu panguva yandakaroora.
Ndakanopota nekuseri kwavakuzobudikira ndavakufambira pavaive vamire. Ndakanoparker mota ende vaive vachiri kutaura zvekutoratodza kuti nyaya dzacho dzainakidza.
Ndichitora corner pfungwa dzangu dzaive dzanditi ndinovataudza vandione. But I then decided to drive on ndoenda kwandaienda. Ndaizobvunza Mitchell nezvazvo avakumba. Apa aive asina kundiudza kuti aizosara achibudawo. Ndakanoita zvandaiita kwavakuenda kumba. Akazosvika late kuma 6 hanzi," ndanga ndaenda kunoona Annabel. " akangorotomoka ndisati ndabvunza. Kakurotomoka kake ikako kakaita kuti ndimuti, " Annabel wako iyeye wanga urikuziva here kuti she's causing problems for my father? She blew up her chance ukawana mukana umuudze kuti ngaatambire kure nababa vangu vakazviwanira munhu anovada. " Akaita kuvhunduka hanzi, " urikutii ko? Ndirikureva Annabel munin'ina wangu. "

"Urikumashure wangu ndakuona una Mancube mutown. Uchiri kushamwaridzana naye pakai munhu uya?"
"I just bumped into her ndichitoenda kunoona Annabel. " Ndichibva ndamuti," zvandataura wazvinzwa." Kuri kuti ndaive ndamu accuser of something she didn't know nyaya yacho yainoperera kure chaiko. But nekuda kwekuti ndaive ndamuvhundutsa akangonyarara.
After 2 days ndakazongonzwa ndafonerwa nadaddy vachiti, " Farai kutaura chokwadi ndabhaiza. I don't know how l got conned naMancube. Manje Madhuve azvibata. Pakaipa sonny, I know you should be the one asking for advises from me as your father but kwandiri iwewe utori baba vangu, brother zvese kwandiri. I'm sorry I lied to you ndichiti hapana zvirikuitika naMancube. Svika sonny kuno hakuna kumira mushe. "
Honestly I was disappointed nababa vangu. I didn't expect that from him especially nerough yavakange vaitwa naMancube wacho.

Stay tuned.

Nguva yenyu yasvika ma early birds edu🌝 we're happy to announce that this book is going to be onsale on chapter 20. So vagara vanobata nzvimbo vaye munotenga book necheap price.

$1 USD ecocash.
45ZiG ecocash.
50 ZiG airtime transfer
(Mari inoiswa on this number. 0780368492 N.Makohliso) Ecocash

Airtime transfer or USD scratch cards munoisa ipapa 0772999520

$1 USD scratch cards.
NetOne or Buddie. Munotora photo moisa ku WhatsApp on that number. Then transfer munoisa futi panumber idzo. Momirira kuiswa kusubgroup kuchange kuchiuya book.

South Africa.
20 Rand voucher.
Ott, Blu, 1 voucher or Easyloady. Munoisa futi picture pa number idzi ( ku WhatsApp.

Vasender ecocash munouya neproof of payment apa 0772999520
Vema airtime nema voucher isai apa 0772999520

*Book tichange tichiverenga neboom reader vasina inbox munyori anokupai."

"Remember, buying a book is a choice ☺️"
[03/04, 08:16] Mumue🥰: Ch 17

*Kana usina kuona chapter yekumashure ingobaya view update zvako zvinobva zvangoita*

https://whatsapp.com/channel/0029VaFoSsbLikg4utskT10K/3685

https://chat.whatsapp.com/EjGbOp2on7rFO4RbpucKoE?mode=gi_t

*FORBIDDEN PROXIMITY*
(breaking of social rules)

Collaboration by
B M MAFUKIDZE (MHOFUKADZI)
+260775957508
+263772999520

AND

NITA chihelele
+263780368492

Chapter 17
Mai Chiedza.

"Babe im sorry, " he said vaita kugwadama ndikati, " handina kutsamwa hangu ndirikungotaurawo zvandirikuona. It's pointless kugara tese yet muine umwe munhu wamurikuda."
"Mukadzi wangu ndinoda iwewe." Moyo wangu waive watongosviba after he broke my heart.
Ndaive ndazongozvibata kuti he was busy cheating naex wavo wavaitaura kuti akavaita rough which I no longer believed nekuti hakuna munhu anedzakati kwesere anodzokera kumunhu akamubata rough. Kwaingove kungoda havo kuhwina moyo wangu and I felt so stupid.
"Handisi mukadzi wenyu ndirikuchaya mapoto ini. Mancube ndiye atori mukadzi wenyu at least makamuroora."

Ndaive ndabata mamessages vachitaura zvekunakirana kwavaive vaitana weekend yaive yapfuura. Apa ndaive ndanyeperwa ndikanzi, " ndadeedzwa kubasa." Izvo kwaani munhu arikuno booker kuhotera zveweekend yese naex wake. Ndaiti ndikazvifunga so ndainzwa chifuva changu chichiita kupisa so. Kufunga kuti munhu aitove nayo zvake mari yekuno booker hotel kwandiri ndichinzi ndirikubatanidza mari yekunoroora. Ndaive ndisisakumbire mari yechikafu mumba ndichitizve umwe wangu arikuronga zvisvinu nemari. Ndakanzwa kubatikana kusingaite especially kufunga kuti ndaive ndarwadziswa kechi 2 kudaro. Zvakaita ndizvione sezidununu rekupedzesera chairo. I blamed myself for agreeing to move in with him vasina kana cent ravaive vabvisa kumba kwedu. But ndaive ndaona kunge ndizvo zvaizotibatsira kusaver mari yekuroora. Ndakatombofunga kuti zvimwe ndaive ndakasikisa kuita move on yacho but i got involved nava Dliwayo 3yrs after ndarambwa naZiviso. Ndakazvituka nekubvuma kunogara navo kwandaive ndaita. Ndaive ndisina kuona kana chinhu chaizotitadzisa kuroorana nava Dliwayo. Nekuda kweage yavo ndaifunga kuti haasi munhu angandiitire zvisina basa. Ndakazonzwa vavakuti,
"Sha munhu uya zviripo zvaakandishandisira chete," he said vakangogwadama ndikati, " Handizivi Davis, but Handisi kudzokera kumashure. I want to move out nevana vangu muwane kusara muchigadzirisa nyaya dzenyu without me in the picture. Moronga zvamunoronga mozondiudza final decision yenyu.." Ndaingotaura hangu but moyo wangu waive watofuratira chaiko ndaive ndatochera gomba ndikazviudza kuti handichaite zvechinhu chinonzi murume mulife mangu. Apa kubva zvandaive ndasangana naye Mancube wacho ndaive ndavabvunza kuti anondizivirepi vakaramba kuita kugomera chaiko vachiti wo havazive.
Life had proven to me kuti ndaive ndisina ropa rekudiwa nevarume. Chandaingoda kuzvigarira nevana vangu ndozvishandira sezvandaingoita pavakandiwana.

"Babe usadaro amana, mira ndimufonere uzvinzwire kuti handimude ndinoda iwewe. " Handina kuvadaira vakatofona kwacho akadaira achiita kuyemerera Mancube wacho.
Aisaziva zvaida kutaurwa nemurume ndofunga aifunga kuti ndezvemazuva ese.
Akanzi, " inzwa unzwe Mativenga, I'm sorry zvataiita zvapera. Ndava nemunhu iye uya wandakakuudza ende ndirikugara naye you know it. So please Handisi kuda kuvhiringa relationship yangu nemunhu wangu. "
Akabva atoseka zvesvoto Mativenga wacho achiti, " i know urikufona achinzwa trying to convince her kuti wavakundiramba. Well itai but we both know kuti you're addicted to me Davis. Kana akapusa achazvi believer."

"Shamwari kana uri mushonga wawakandishandisira ziva kuti nhasi chaiye wato expire!" Vakabva vato cutter ndikati, " you're just wasting your time Davis ini hangu handichakwanisi kuramba ndiripano. "

"OK kana usisakwanise kuva pano asi tinenge tichidanana hedu ka? Ndoitawo ndoroora then ndozokutora wodzoka ndaroora."
I chuckled ndokuti, " handizivi hangu." But ndaitoziva kuti handife ndakadzoka kumadhaka akadaro. I was glad kuti kabusiness kangu kaive kati kurei . Ndaive ndavakukwanisawo kuhodha mabhero chero 3 same time. Ndicho chinhu chandaive ndahwinawo murudo rwedu kuti business rangu rikure. Pakuti ndaive ndisisina mari yerent yandaibvisa. Saka ndaingoroverera yese kumabhero kusvika ndavakuhodha matatu. Mazuva ekutanga chero chikafu chaicho ndaisatenga ende zvakabatsira business rangu kusimuka. Ipapo aive asati apindira Mancube paakangopindira mari iyoyo yekumabhero ndiyo yaive yavakutoshanda pamba. Ivo yavo yaive isisanzwisisike kushanda kwayo. Ndakatozoona kuti yavo yaive yavakuenda kuna Mancube.
Ndakamedza mate trying hard to block misodzi yandaiva ndavakunzwa kusvinya svinya mumaziso.

Vakabva vasumuka ndokuedza kundibata maoko angu andakabva ndatotizisa vakati, " Marble please ndinzwisise wo," i chuckled ndokuti, " you know what Davis ndakaitwa bhora nababa vevana vangu. And I'm grateful to him nekuti akandidzidzisa kuzvichengeta nevana vangu. So ndatove munhu akatindivadzwa nenhamo ini zvekuti kugarira nonsense ndochinhu chandisingafe hangu ndakaita kana. Nevana vangu nhamo takatoijara saka hazvigoneke kuti ndirambe ndiripano after what you've done to me. Handina chikind cheheartbreak chinyowani kwandiri ini. Saka izvi zvawandiitira atori masmall small kwandiri. " Takabva tatonzwa kupinda kwemota ndikaziva kuti ndi Farai wavaive vafonera. Vakabva vatofamba vachienda kudoor vachiti, " better Farai asvika anogona kundibatsira kutaura nemunhu wangu. "

Vachifuratira ndakabva ndatotanga kurongedza kese kangu. I wasn't going to watch him play with my heart sezvandaive ndakaitwa nababa Chiedza. Kwababa Chiedza ndaive ndashingirira kubva Chiedza achiri mudiki munhu achihura kunge hameno. Ndichiti kuda ndiko kuvaka kwacho. Zvakazooma ndikazoita zvekusiwa ndava nevana vatatu wani awana umwe arinani. Saka zvekunzi shingirira ndicho chinhu chandaive ndisiri kuzonzwa hangu chero kuri kunzi chaizotaurwa nemutowo upi. Chidzidzo chandaive ndangodzidza ndechekuti ndaitove nezimunyama zvevarume zvaive zvisiri zvangu. Saka ndaive ndavakuda kungoita hangu zvekutsvaka mari.

Ndakarongedza zvinhu zvangu ndikazonzwa vapinda ndokumira padoor ndokuti, " babe mira kani zvauri kuita izvo. Mukomana auya arikukumbirawozve kutaura newe. " ndakatoita sendisiri kuvanzwa ndokutovhara zip yemonarch yaive yazara. Vakati, " babe Farai arikuda kutaura newe."

"Muudzei kuti ndirikuuya, " ndizvo zvandakavadaira. Vakamboramba vamire vakandiyeva ndokuzoenda. Ndakazovatevera ndikatosanganidzana naChiedza achipinda achibva kuchikoro ndikati, " chinja murongedze mbatya dzenyu nana Charle muma monarch edu. " akati, " tirikuendepi?" Ndikamuti," itai zvandirikukuudza kani Chiedza for once usinawo kundibvunzu-rudza veduwe. "Akangonyarara ndikaenderera mberi ndokunopinda muliving room maive mugere Farai uyo akabva atondichingamidza nekunditi," Amanjenjenje amai vangu!" Ndakagara padivi pababa vacho ndichiti, " mwanangu. "
"Murisei zvenyu mama?" Akadaro tikataudzana paye. Kwavakumboita nyaya nhando zvedu paye tichitaura nezve economy yenyika. Kusvika baba vacho vazoti," Farai i know I'm your father and zvandakudeedzera ndiwe unofanirwa kunge uchindideedzera kumba kwako. Ende handingambotsamwe ukanditi ndiri baba vekushaya nekuti I've proved kuti mabasa angu haasi emunhu mukuru. Mabasa enyu andakaita ini. Hautofanirwe kunge uchidanidzirwa zvakadai nesu vabereki vako. But sezvandinogara ndichitaura kuti you're like my brother, my friend. Ende you're wise enough zvekuti handizeze kukudeedza pandinenge ndarasika. Nyaya iripano mwanangu ndskakanganisira mai venyu. Mancube anenge akandishandisira mushonga chete. Nezvaakandiita but ndanga ndavakutodanana naye."

Ndakangokaruka ndaseka zvishoma kwete zvekunakidzwa but zvekurwadziwa chaiko.

Vakarudunuka zvese hameno kuti yaive first time kumuudza here or vaive vakamboitaura nyaya yacho vega. Vakapedzesa vachiti, " mwanangu ndinoziva kuti munowirirana namama venyu. Ende munoda kundiona ndiine munhu mulife mangu. Saka ndokumbirawo utaurewo namama vako vandipewo chance vasaende." He said ndakada kuseka nekuti to me it was actually funny kuti murume mukuru akumbire zvakadaro kumwana wake.

Farai wacho akatura mafemo ndokuti, " daddy I'm your child mese saka nyaya yenyu ndoitaura sei ndiri mwana ka ini."
"I know sonny I'm not asking you much. Ndirikungoda kuti uvaonese vasaende. "

Akandicheuka Farai wacho ndichibva ndatomutangira kutaura ndini ndichiti, "Farai mwanangu usatombo tambisirwa nguva yako nadaddy. Ini pfungwa handisi kuchinja. Ndavati vasare vachiwana space yekuita figure out zvavarikunyatsoda chaizvo. Nekuti having me here might confuse him. Then kana vazonyatsoziva zvacho zvavarikuda he knows kwekundiwana. Then we take it from there."
"Haa zvichiita here izvozvo zvekuti unobva pano Madube? Ndinogona kuzviita izvozvo zvauri kuti ndiite ungoripo pano pacho." He said ndikati, " inini hazvindiitire manje kuti muite ndiripano. I need some air," Farai kwavakutura mafemo ndokuti, " daddy you disappointed me big time mufunge. Mancube munhu akabva panapa akanoita nhumbu yeumwe murume? Besides you've you forgotten zvaakuitai already? How can you allow munhu akadaro to even come close to you futi?" Vakati, " im sorry mwanangu but ndofunga akandiroya chete." Farai ndokuti, " manje hatingamanikidze mama kuti vagare ivo moyo wavo usiri kuda. Let her do zviripamoyo pavo. "
"Sonny zvekuti vabve pano handisi kuda. Ndiko kutorambwa kwacho," he complained Farai akati, " you'll have to work extra hard to win her heart back mudhara nekuti makanya."
Ndakatoona kuti hapachina zvimwe zvekutaura kwavakusumuka ndavakunopedxesa kurongedza. Farai ndokuti, " saka mavakunogara kupi nhai amai vangu?"
Ndaitoda kuenda kuneumwe mukadzi wandaiita zvemabhero naye aive nemba hombe. Then mangwana acho ndochitsvaka pangu nevana vangu.
Ndskangomuti ," kushamwari." Akati, " mama hatina kukutadzirai matadzirana mega nemukomana wenyu. Isu hatina mhosva nemi tinotokudai mufunge. Ko kuti musiye zvenyu vanin'ina vangu mozovatora maita settle down hazviite here?" Ndaisada izvozvo but kuita sekuti ndairwa naFarai zvaisabuda nekuti he had been nothing but good to us all nevana vangu. Aitoita kunge vanin'ina vake veropa chaivo. Vakatotsigirawo baba vacho kuti ndisiye vana.
Munhu aiziva nezve relationship yedu was tete vangu but chataive tavavanzira ndechekuti taigara tese.
Ndakatorara ndabva ndaenda kwamai Munashe. Tete vakatofona vachinditi vaida kutiona tese nava Dliwayo kumba kwavo.
Makuseni acho Farai akandifonera achinditi, " mama togona kusaonana zvinhu zvangu zvaita ndinogona kuenda mangwana. I hope muchagadzirisana nababa vangu. "
I was happy for him nekuti aive nestress nenyaya dzake idzodzo dzekuenda. Mukadzi wake taisawirirana hameno why aisangondifarirawo.

Stay turned.

Nguva yenyu yasvika ma early birds edu🌝 we're happy to announce that this book is going to be onsale kubva chapter 20. So vagara vanobata nzvimbo vaye munotenga book necheap price.

$1 USD ecocash.
45ZiG ecocash.
50 ZiG airtime transfer
(Mari inoiswa on this number. 0780368492 N.Makohliso) Ecocash

Airtime transfer or USD scratch cards munoisa ipapa 0772999520

$1 USD scratch cards.
NetOne or Buddie. Munotora photo moisa ku WhatsApp on that number. Then transfer munoisa futi panumber idzo. Momirira kuiswa kusubgroup kuchange kuchiuya book.

South Africa.
20 Rand voucher.
Ott, Blu, 1 voucher or Easyloady. Munoisa futi picture pa number idzi ( ku WhatsApp.

Vasender ecocash munouya neproof of payment apa 0772999520
Vema airtime nema voucher isai apa 0772999520

*Book tichange tichiverenga neboom reader vasina inbox munyori anokupai."

"Remember, buying a book is a choice ☺️"
[03/04, 20:33] Mumue🥰: Kana Uchida from 1 just click on the link below
https://whatsapp.com/channel/0029VaY55XDJP20wYuuAml2z

https://chat.whatsapp.com/Bdkz0MhDWI5G3awBLp7Dx6?mode=gi_t WhatsApp grp

https://www.facebook.com/profile.php?id=100069895577377 lyk my fb page

*FORBIDDEN PROXIMITY*
(breaking of social rules)

Collaboration by
B M MAFUKIDZE (MHOFUKADZI)
+260775957508
+263772999520

AND

NITA chihelele
+263780368492

Ch 18

Farai

Chinhu chinonzi marriage chinotoda vanhu vane moyo yakashinga. Its never for the faint hearted nekuti hondo dzirikurwiwa mukati umu mumwe anomuka akafa chete. Zvinhu zvacho l just wonder how God created it, yes marriage is for two and two to tangle but between the two hapashaikwe benzi pahuviri hwavo. Most marriages are failing the majority because of kusagutsikana kwevarume but also forgetting kune mapenzi evakadzi and what l have come to realize is women are good when it comes to telling stories. They are very good at playing victims but varivo n'an'a dzacho zvekuti paanonzi abuda mumarriage vanhu vanomunzwisa tsitsi making the other part useless. Yes for my father l agree, he deserved it and when mama mentioned of leaving ndakavanzwisisa
Then there was me going back kumba kwaitove nehondo yechimurenga chaiyo. Mitchell aive akaita kuti ndione kuti ndiri murume Chokwadi because what l had to endure with her was something else but not even a day had l thought of cheating oe finding another woman. We had so many ups and downs and the issue yekusaita mwana should have changed me a long time ago but ndipo pandakaona kuti that statement rekunzi ndiye akandichinja its all a lie. Unenge wagara usina self discipline. Ndichibva kumba kwamudhara ndakananga kwemupfanha wangu nekuti kumba kwaisatoendeka. Ndakasvika ninez vari busy kuita kabudget kwakuzoshama ndichinzwa kuti kaive keleavers party yangu the following day. Handidi kunyepa ndakanzwa kudzambirwa kuti mukadzi wemunin'ina wangu aive busy kundirongera zvinhu and she was doing it with so much love and happiness yet wangu wandaiti mukadzi ndaisatoziva kuti aive kumba here or not nekutu munhu wacho aive akungoita mamovements asinganzwisisike. Pacho paanenge abudikira mufaro wake waisave wekuti takuzoita something chinobatika nehupenyu hwedu but it was always about kuiswa tsvina dzake idzodzo nekuita show off kuvanhu. Pana Mitchell l really wonder kuti ndakazosvika pakutemera to such an extent how. Kuti nditi ndirwo rudo rwacho rwunonzi haruone handizive but l was regretting my decision big time.

"don't tell me makutofunga zvevamwe vakadzi vemberi ndiripano kudai", vakadaro mainini after vaona ndamedzwa nendangariro. "haaa kana vadzimai inga munotiziva wani kuti isu vana bvumavaranda hatidaro, kana tasarudza tinenge tatosarudza zvomene, hatisi vana mukumbazvose isu" l said tese tikaseka. Munhu wacho aive akakurira kumaNdebele saka tsika dzedu dzakadzika dzika dzekuti bamukuru ndibaba haasi murume hazvina aiziva but l just loved kuti aive munhu akasununguka uye hunhu hwaivepo despite kukurira kuvanhu vane mitauro yekudamburwa rurimi ava. Ndakatandara ndichivaudzwa mahumbwe aive aitwa namudhara and vese vakataridza kubatikana nekuenda kwamaDube nekuti she had proved to be a real mother to us despite our age differences. Ndakazoenda kumba time dzatofamba chaizvo kwakusvika wacho wandaiti mukadzi asipo apa it was already 9pm. Handina kumufonera or what ndakangonozvigezera kwakudzoka nekupinda mumablankets munhu akazodzoka hake kuma10.

"ko muripano, mainini vati hamusi kudzoka wani?", she said achitaridza kakubvunduka and handina kuda kunetsana naye l just turned looking the other way nekuti ndaitoona kuti munhu wacho aitoda kundiitira muyedzo chaiwo. Panguva yandaive paitoda kushinga chaiko nekuti mhepo dzinodzivisa dzinosimuka nenzira dzakawanda. Aona zvemashoko zvaramba akauya kwakutanga kundibata bata and for the first time ndakanzwa kumuseka ikatoramba kumira akapopota mwana wevanhu. O just told her to get protection kana aida izvozvo which l knew she didn't have.
"protection yandowana kupi husiku huno"? ".
" zvekwaunoiwana handizive but im just not entering without a condom ".
" kutanga rinhi kundishandisira izvozvo, im your wife Farai".
"kutanga nhasi since wanditaridza kuti im nothing and as of being my wife handina mukadzi anopinda mumba nguva dzino ini not to talk of anongobuda zvisina tsarukano achienda only God knows where, hayi haasi wangu. Wangu mukadzi anoziva kuti ndini baba uye anotanga andisuma kana paine zvaanoda kuita and again haapfeke sepfambi", l said ndikaona ozvitarisa apusa.
" sorry kani murume wangu kungoti ndiAnnabel uyu andikumbira kuti ndimuperekedze kunotenga zvinhu zvake mutown. Im sorry l thought tokasika kudzoka", she said aita kakurereka musoro and hameno aindiona sedzisina kukwana here.
"its ok but zvandataura wazvinzwa chindisiyawo ndirare. Mangwana tikudiwa kwamainini kune mabiko ariko".
" mabiko eyi iwayo plus vanozoudza iwewe munhurume vachitadza kuudza inini kuti zviite sei?", aive atotanga chihera uku voice rakwidzwa kukanganwa kuti ndiye anga achikumbira ruregerero.
"wanga uchida kuti vakuudze nekupi sezvinonzi unovashanyira or kuvataudza. Hauna kublocka number dzavo iwe?", l asked ndatotsamwa akangobwoira. Munoziva pandaive ndakatoidzwa nababa Lee nyaya yacho zvakatondishamisa but handina kuda kumubvunza nekuti munhu wacho imhepo zvayo and kuramba akanyarara kwaakaita confirmed it ndikangoridza tsamwa ndichimufuratira. The following day takaenda for the party but aive akamudhura handina kuda kuita hanya nazvo. Everyone was there including daddy nanaChiedza uyo aizama nepese paaikwanisa kundinzvenga. Pakafarwa kani musi wacho and we just had to sleep there. Ndaive ndazotenga mac*ndom aya ndini ndichiitira kuonekana naro but munhu wacho zvaive zvakakwidza ndakanyimwa kwakubva ndatoorawo moyo nazvo. Pfungwa dzangu dzaive dzatova kumberi zvekuti pacho pandakazokwira ndege ndichionekana nehama dzangu ndainzwa kufara nekurwadziwa zvese nekuti ndaiziva kuti kwandaive ndoenda uku kwaive kusina hama. It was an emotional moment for everyone but we all knew it had to be done.

All the way ndaingosekerera recalling all the memories of the people l had left behind and it felt like l had also left a part of me zvekuti zvakanditorera nguva to adjust to the changes. Basa ndakasvika riripo like what Web had promised but the thought of my loved ones behind haunted me for a long time. NaMitchelle taitaura and nguva zhinji aingondibvunza if ndaive ndawana basa and l kept saying no and it was already four months aive akazoenda kunogara neshamwari yacho. Zvakatondinetsa kuti why ini ndaimuisira mari yerent every month. I decided kusamubvunza . And kuramba achinzwa kuti ndaive ndisati ndakushanda akadzokera pake pakare pakundinyomba paye. There was this day it was a weekend ndaisaenda kubasa so l decided to clean the yard since taingogara tiri two naWeb taisave mushandi. I was wearing a worksuit nemajombo mugumbo and Web took a picture of me like that which looked fun and l had to post on my status. Everyone was giving positive comments like l had changed ndaive ndosimba and stuff then wangu wandaiti mukadzi had to comment,

"hezvo Nhaiwe zvariri shura, chokwadi kuenda mhiri kwemakungwa kuti unoita chidhaka boy sure. Haaa nhamo neman'a hazvisiyane, l told you kubva kare Farai kuti dzingoriwo hadzo nharo but unekahurombe kauinako", l read the message countless times ndikaisiya yakadaro. Ndakatanga kunyatsozvibvunza kuti chaishoreka pandiri chaiva chii chaizvo chaiita kuti Mitchell agare achindinyomba nekundidzikisira kudaro. Its not like l was a total failure, nekumuudza kuti ndaisashanda ikoko ndaingomutumira mari yerent nechikafu zvakadaro yaaisatombove nebasa kuti yaibva payi or kutenda zvako. I was saving kuti tiitewo chinooneka but to her l was just a total failure. I think akatumira message yake akamirira mhinduro nekut aona ndisina kupindura akabva aita zvekufona video call.
"saka kusiya message yangu on seen ndiko kuita sei?", akangotanga nekumwaya mubvunzo.
"tinofara makadiiwo", l said as it had been long tisingataudzane, aingonditaudza kana mwedzi wakupera chete achida mari yerent.
"usachinje nyaya, nhaiwe saka ukutondiudza kuti kutsvukira tsvukira kwese uku ndekwehugarden boy nechimadhumbe? Ko inga zvaunenge wakati dzidzei zvirinani wani, zvino hama dzako hadzisi kunyara kuti dzaipembera kuenda kwako kuchando kuti unodriver lawnmower".

" zvinowanika wena inguva", l said calmly.
"haaa unonyadzisa wangu, l can't believe kuti neniwo ndaitoganza kuti murume wangu ariku Australia ndakagaririra kuno ndichiti kune zvitsvene zvichabuda ini. Urirombe Farai, l wonder why im still wasting my time waiting for someone like you. I deserve better", she said clicking her tongue nekubva atokata and that was the last day l talked to her and mashoko ake akandipa simba rekuwedzera kushanda kuti mune ramangwana ndizomu prover wrong and God really did it nekuti the next month yacho l got promoted which didn't suit well with almost everyone there because ndaive ndangova nesix months ndiri pabasa yet ndaive ndakutokwidzwa rank vakashanda makore varipo. My aim was to work hard kuitira pandaizodzokera kumusha ndaiwana chekuenda nacho. I wanted everyone to be proud of me though mudhara vaive vachiri kungochema namaDube wavo kuti aisada kudzora moyo and as for me ndaive ndasisina hope yekuti vachadzoka nguva yaive yareba. Chiedza ndiye wandaimbotaura naye here and there, she was now doing her form 3 and ndaigara ndichimukurudzira kuverenga.

End of chapter

Stay tuned

Nguva yenyu yasvika ma early birds edu🌝 we're happy to announce that this book is going to be onsale kubva chapter 20. So vagara vanobata nzvimbo vaye munotenga book necheap price.

$1 USD ecocash.
45ZiG ecocash.
50 ZiG airtime transfer
(Mari inoiswa on this number. 0780368492 N.Makohliso) Ecocash

Airtime transfer or USD scratch cards munoisa ipapa 0772999520

$1 USD scratch cards.
NetOne or Buddie. Munotora photo moisa ku WhatsApp on that number. Then transfer munoisa futi panumber idzo. Momirira kuiswa kusubgroup kuchange kuchiuya book.

South Africa.
20 Rand voucher.
Ott, Blu, 1 voucher or Easyloady. Munoisa futi picture pa number idzi ( ku WhatsApp.

Vasender ecocash munouya neproof of payment apa 0772999520
Vema airtime nema voucher isai apa 0772999520

*Book tichange tichiverenga neboom reader vasina inbox munyori anokupai."

"Remember, buying a book is a choice ☺️"

Follow B. M Mhofukadzi novels's WhatsApp Channel. Novels written by B.M Mafukidze (Mhofukadzi ). Join 2.7K followers for the latest updates.

Address

Harare

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when B.M MAFUKIDZE-Babie Bee Novels posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share

Category