JC.Wachi aka Jnr Stories

JC.Wachi aka Jnr  Stories Zvirimukurarama, kutandadzana nekuonesana zviri muupenyu hwedu mumazuva atiri kurarama.

26/09/2021
Nhodo Dzeminzwa
16/09/2021

Nhodo Dzeminzwa

12/05/2021

Nyika yakagadhiwa gadhiwa ngatibatanei paApp +27653120617

29/03/2021

O/0 hapana mutsauko

08/10/2020

*_MHARE PACHIRINDO_*

WRITTEN BY JC WACHI

CHAPTER 12

Father Chigova pavakaona brother Sam vasina kuvapindura vakabva vataura naSister Mary zvavaida. Kusabudirira kwepfungwa yavo yekuti brother vasungwe kana kudzingwa mukereke zvakaita vatange kunetseka. Vamwe vavo vairatidza kuti varikurara neboots kuonesana navo zvaiva mupfungwa dzavo vakaona zvichitonetsa.

"Sister Mary ndichambobuda mosara muchitarisa kuti paanodzoka mukomana uyu anoitasei? Zvinhu zvose zviri mumaoko enyu svondo rino harifanire kupera pasina zvinemusoro zvataita. Zvimwe zvirikuitika hazvide kuudzwa vanhu asi manheru tofanira kuzosangana kwaMbuya Chikwanda toona kuti nzira dzedu dzakamirasei?" Vakataura Father vachibuda mukamuri yaBrother Sam yakasara yokiiwa naSister Mary ivo voenda kuimba yavo yavaigara. Pavakapinda mumba mavo vakananga kusuitcase yaiva muwardrobe mavo kwava kuikanda pamubhedha. Vakaibaya manumber ndokuvhurika mukati pamusoro maiva nejira dzvuku raiva rakavhara pamusoro. Vakadzokera kumusiwo weimba yavo ndokuukiya. Vakadzoka ndokupfugama pabed pavo vakatarisana nesuitcase iya vakatanga kurova maoko semukuwasha ari kukwazisana naAmbuya. Vakarova maoko katatu kechina ndokubisa jira dzvuku riya. Pasi pejira dzvuku paiva nejira dema raiva nemavara machena akafanana nemachira anosungirwa nerudzi rwechiZulu anenge akaiswa mufananidzo weshield nebvumo nehari. Vakaombera zvakare katatu kechina ndokubisa jira riya pakabva pasara jira jena raisava nerumwe ruvara padenga.

Vakaombera kamwe chete ndokutora jira riya vopukuta kumeso kwavo uko kwaiva kwaita kakudikitira zvishoma. Jira dzvuku nedema ayiva aturikanidzwa panzvimbo imwe chete asi jira jena rakaiswa kurutivi kwaro rega. Musuitcase muya makasara maenvlope ayiva nemavara akasiyana siyana uye ose ayiratidza kuti ane zvaanazvo mukati. Vakatora envlope imwe chete yeKhakhi ndokuisimudza katatu mudenga. Vakaidzosera ndokubisa mbatya dzavaiva vakapfeka ndokusara vari musvo. Vakadzoka pasuitcase riya ndokubuditsa envlope

01/10/2020

*_MHARE PACHIRINDO_*

WRITTEN BY JC WACHI

CHAPTER 11

Brother Sam pavakaona musikana uya adonha pasi vakatanga kunamata vachitenderera table kuenda kwaari. Yollandah ayiratidza kupera simba mumuviri make zvekuti ayinge asisagone kana kusimudza ruoko. Vakanamata kusvika vaona angoti rabadaa pasi. Nguva iyoyo muOffice mavo makapinda vanhu vakateverana. Munhu ayiva kumberi vaiva Father Chigova avo vaiva vakapfeka mbatya dzavo dzekunamatisa vachiteverwa naSister Mary kumashure kwavo kuine mukomana wekupinda naYollandah.

"What the hell is going on here brother Sam, mavakusevenzesa imba yekushumira kuita kamuri yechipfambi nhai? Moda kunyatsoitasei chaizvo at first makabata Belindah chibharo right now mavakubata mwana wevanhu zvakare apa muchisevenzesa,,,," Father havana kupedza kutaura mashoko avo nekuda kwezvavakawana zvichiitika. Ivo tarisiro yavo nezvavaiva vaudzwa zvakasvikosiyana. Sister Mary vainge vaudzwa nemukomana wekupinda naYollandah kuti pane zvirikuitika muoffice mabrother vanenge varikuita bonde nasomeone. Pavakazowana brother vachinamata apa vakasimudza bible mudenga ndipo pavakati fototo. Zvakavashamisa kuti ko chii chaiva chatora nzvimbo asi hazvinawo kumisa brother kuramba vachinamata.

Vanhu vaiva vapinda mukamuri iyi vakaramba vatarisa kwemaminutes angakwane kuita mana kana mashanu. Mushure mekupedza kunamatira Yollandah vakamuudza kuti asimuke ivo pane zvese zvavaiva vaita vairatidza kuti hapana chavaiziva asi simba ravainzwa ndiro raiita basa. Muchitendero chavo maisava nemasimba ekunamatira munhu achibuda mademon sezvaiva zvaitika apa zvakaita vatange kuzvipa mubvunzo. Vari mundangariro kudaro vakabva vatondera chiitiko chaiva chaitika kuHarare naSister Belindah.

_"Kuti ringave simba raMwari riri kundisevenzesa kudai here kana kuti pane zvimwe zvava kuitika. Ko icho chinangwa chemusikana uyu changa chiri chekunamatiriwa here kana kuti atobva akaronga zvanga zviri kuitika? Ko mukomana uyu azonodaidza vanhu kuti ndiri kurara naYolla

29/09/2020

*_MHARE PACHIRINDO_*

BY JC WACHI

CHAPTER 10

DS Motsi naConstable Chiwawa pavakasimuka vakachaya sarupu ndokufreezer vakamira.
"Stay at easy guys we met as friends here what's wrong with you?" Akabvunza Chiedza achiseka akatarisa mapurisa maviri ayiva akasticker fanika parikupfuura mutungamiri wenyika. "Dzokerai pamanga makagara apo ko iwe tell me Muridzi Ndiani?" Akabvunza Chiedza achiseka Cathy uyo ayisunga sunga kumeso. Chiedza akasimuka ndokuvhura mvura mudispensor yaiya muoffice make ndokupa kuna Cathy.

"Tinwire mvura apa usati watirutsira unoda kusema sema chii chinosemesa muno wakatadza kusema zvinosemesa tidzikamire." Chiedza ayiratidza kuva munhu anogara nemufaro uye kuwanza mafunnies kumatauriro ake. Cathy akagamuchira glass riya ndokunwa mvura iya.
"Thanks sister but haudaro shaa ungabva wandiwanzira kudero here? Iyi yawabvunza yeMuridzi tichazoitaura rimwe zuva. Ndauya nevakomana ava shaa sezvaunoziva ndakavhurira base kumaraini reSecurity yedu iyi kubva patakapiwa mvumo yekusevenza tichibatsira mapurisa paya. Manje zvinhu hazvina kumira mushe shamwari pane mukomana aka exposwa nemavideos nemusikana. Mukomana wacho ndiBrother veRoma hameno vakawira musticken sei unongozivawo mulife ma1. Voda kuenda kunoonana nebabe pane yakaitika musikana akanyangarika vasina kuonana. So apa baba vemusikana vakafonerwa nemumwe munhu achiva threatener nekuvapa mavideo emwana but line racho manje harisi kubatika. So ndauya kuparty nevamwe vangu ndikati ndipfuure ndi chiona mazvikokota wemichina yechirungu pamwe tingabatsirike basa rikakasika kufamba." Akataura Cathy achibuditsa adapter mukabag kake nekapaper kaiva nenumber ndokuisa patable.

"Iwewe hauzorore shuwa ipapa nezidumbu kudai urikungoramba uri mufield apa wava kurarama kaLife kemaBoss. Anyway izvezvi ndiri busy pane kwandiri kuda kuenda for breakfast so zvandichaita ndezvekuti siyai number dzacho memory card rinei chandingada?"

"Ndangoti pamwe ungade kuona mavideos acho wopawoka maonero ako.

25/09/2020

*MHARE PACHIRINDO*

_STORY BY JC WACHI_

+27 653 120 617

CHAPTER 07

Brother Sam hope hadzina kuuya usiku hwese vachifunga kuti voitasei kuti Sister Bee vadelete mavideo avo. Zvaivanetsa kuti mavideo aya akatorwa nani chaizvo ko kana ivo sister vaizobvuma kudeleter nyakutora ayizodiiwo? Iyi mibvunzo yaivadya pfungwa vakarara kutarisa mudenga. Shuwa miedzo inouya nguva diki nekukunda vanhu asi kuzogadzirisa pawakundika zvinonetsa. Brother vainge voona nyama yavo yakavafurira zvaitoda zano rakasimba kuti vabudirire. Vaiti vakambofunga vofonera number yaSister Bee yoramba. Semurume akazongozvishingisa asi kwaiva kuzvipa zvivindi zvekunyepa.

Hope dzakavabata kunze koyedza ndopavakatombozorora. Vakapeputswa nenhare yakavafonera, nguva dzavakamuka vakatarisa ndokubva vaona ari Belindah ayifona. Vakambozeza kuidaira ndokumhanya pafasiteri kunotarisa kuti ayisava panze here? Pavakaona pasina mota yake vakabva vadaira nhare iya.

"Hello Sam warara bhoo here inini l am doing great urikupi tionane kwacho ndinovimba wava nepfungwa kwadzo?" Akataura zvakawanda asati apa mukana kuna Brother Sam wekudaira. Brother Sam vakafunga kuti ndeipi nzvimbo isina vanhu vanovaziva uye isiri pedyo ingaite vanokurukura naBelindah. Vakambofunga kuenda muShevron Hotel asi vakatya kuti vanotapwa mazwi zvakare kana kuzomanikidzwa bonde. Izvi zvakaita vabve vaona nzvimbo yakanaka iri yakataramuka kusina vanhu vangavaone kana kuvaziva.

"Kyle Dam ngatisangane ikoko." Musikana akabva atovaudza kuti ava kubuda kuenda ikoko saka vaizosangana munguva pfupi. Ivo Brother Sam vaisava nebasa rekuita mangwanani iwayo vakabva vangofunga kunokumbira mota kuna Father Chigova. Vakabvisa mbatya dzavaiva vakapfeka ndokupfeka golf t-shirt neshort rekhakhi. Vakapfeka cap yavo yaienderana ruvara rwet- shirt yavo. Kutsoka vakapfeka masandles sezvo kwaidziya. Semunhu ayigara akagara nguva zhinji pasina zvaanosevenza zvinorema ganda ravo nemuviri wavo zvaiva zvakatsetseka zvaibva zvabudisa kur

15/09/2020

[09/02, 20:43] JCwachi1989@gmailcom: *MHARE PACHIRINDO_**

_WRITTEN BY JC WACHI_

*CHAPTER 06*

Eddie paakaona kuti Brendah ava kuchema akamutora ndokumuisa musoro wake pachipfuva. Akamupa kanguva kadiki diki achimupurudzira gotsi rake. Akazomupukuta misodzi yaiva pamaziso.

"Its a sad story my love but kutonga ndekwaMwari isu hatina chedu panyika pano. Rufu murawo wakaiswa kare nemusiki saka hapana anopfuura tose ichava nzira." Akabva asimuka Eddie ndokudzoka akabata mvura muglass.

"How did you know kuti ndiri kuda mvura?" Akabvunza Brenda anekakushamisika pachiso chake.
"Ikodzero yemunhu wese achema kana kuita shungu kuti anwe mvura anoomerwa pachipfuva zvinoita huro dzitange kurwadzawo saka semudiwa wangu ndaona kuti hazvide kumirira kuudzwa." Akabva anyemwerera pachiso.

"Thats so sweet babe l wish kuti kudai wairamba wakadaro usingazochinje hako." Akabva anyemwerera ndokunwa mvura iya.
"So tell me unofunga kuti mafiro asekuru vako anechakakonzera kana kuti?"

"Handisi sure but pose pandinofunga nezvazvo ndorwadziwa apa nedambudziko ranguwo remusoro ndinobva ndanzwa kutya. Musoro wangu unorwadza kubvira ndiri mudiki. Ndofunga inyaya yekubarwa nguva isina kukwana kana kuti imhepo yaindipinda mazuva ayinzi handifanire kutonhorwa." Brendah akabva apa Eddie glass remvura.

"Everything will be fine my love so what do you think now? Toenda tose kwagogo here kana kuti ndonotanga ndadzimisa case yakarepotwa kuPolice yekushaikwa kwako?"
"Zvaunoona zvakakunakira hapana dambudziko." Eddie naBrendah vakatenderana kudzokera vose kwaMurewa. Vakatanga kuenda kumba kwaEddy, iye haana kugarisa akabva atopfuurira kuenda kuPolice kunodzimisa docket rekushaikwa kwaBrendah. Akazotuma vanhu kumba kwaambuya vacho kuti vazivise kuti arikumba kwavo. Mazuva akafamba vaviri vatova kugara semudzimai nemurume apa things were moving nice. Rudo rwaipisa mumba kusvika pakuziva kwaBrendah kuti ave pregnant.

Vakaronga kuti Eddie ayendese something kumba kwagogo vaBre

Address

Chris Hani
Pretoria

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when JC.Wachi aka Jnr Stories posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Share

Category